TIGblogs TIG | TIGblogs GROUP TIGBLOGS LOGIN SIGNUP
GASCO's Blog
GASCO's Blog
« previous 5


Simba reBhaibheri chiratidzo chokuvepo kwaMwari.

Simba reBhaibheri chiratidzo chokuvepo kwaMwari.

Bhaibheri rakanyorwa naMwari. Ichi chinyorwa chokuzviratidza kwaMwari pachake kumunhu. Pakuongorora chinyorwa ichi, tinoona kuti uchapupu hwacho ndewechokwadi. Kuedza kwose kwakaitwa nevarume vakaipa kwokuda kuparadza chokwadi ichi kwemakore mazhinji akapfuura kwakakundikana. Richaramba riripo kana ranyorwa mumwoyo yevanhu.

Munhu akawana zvizhinji maererano naMwari muzvinhu zvaanoona, mukufunga zvakadzama, uye nomune dzimwe nzira zhinji. Zvisinei, Bhaibheri ritora zviratidzo izvi uye nokutipa mufananidzo uzere uye nokutiratidza Mwari sezvaari.
(Verenga Deuteronomio 4:1,2; 17:19; Mapisarema 119:89; Isaya 40:8; Johane 5:39; VaRoma 16:25,26 ; 2 Timotio 3:16,17; VaHeberu 4:12; 2 Petro 1:19-21.)

January 19, 2010 | 7:01 AM Comments  {num} comments



Nzara yomunhu yokuda kuziva Mwari inotiratidza kuti kuna Mwari.

Nzara yeMunhu yokuda kuziva Mwari inotiratidza kuti kuna Mwari.

Mwari akaita nyika. Mukati mayo akaisa zvaizogutsa nzarayomunhu munyama. Munhu anonzwa nzara. Zvokudya zvinopiwa kuitira dumbu rake. Anonzwa nyota. Mvura inopiwa kuti ipedze nyota yake. Mapapu edu anoda mweya uye uyu unopiwa.

Mweya wemunhu unonzwa nzara yaMwari. Izvi zvinoratidzwa nokutsvaka kwake kusingaperi kwechimwe chinhu chikuru kwaari. Mwari akaita munhu aine nzara iyi kuitira kuti munhu agomutsvaka. Kusvikira munhu aziva Mwari mumwoyo make, nzara iyi haingagutswe.

Mwari akapa kune zvinoshaikwa nemunhu zvenyama. Nenzira imwe cheteyo, akazviita kuti avepo kuti atarisane nenzara yemunhu yemweya.

Verenga Mapisarema 42:1 naMateo 5:6

January 19, 2010 | 5:01 AM Comments  {num} comments

Tags:


Kuziva Chivi Kwemunhu Kunoratidza kuti Kuna Mwari

Kuziva chivi kwemunhu kunoratidza kuti kuna Mwari.

Kana munhu akatarisa mukatikati memoyo wake, anoziva kuti akatadza. Anoziva kuti akaita zvinhu zvakaipa. Anoziva kuti akakundikana kuita zvimwe zvinhu zvaifanira kunge akaita. Bhabheri rinodaidza izvi kuti chivi. Saka kana munhu akatadza, panotofanira kuve naMwari waanotadzira.

Mwari akapa mimwe mirairo. Mwari anoisa mirairo iyi mumwoyo womunhu. Kutyora mirairo iyi chivi, chinotadzirwa Mwari. Izvi zvinodzidzisawo munhu maererano nokuvepo kwaMwari uyo angatadzirwe.

Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akasika munhu mumufananidzo wake. Naizvozvo, zviri mumunhu kuti atsvake Mwari. Anoshuva kuva nokuwadzana naMwari, Musiki wake.

Verenga Genesis 1:26; Mapisarema 42:1; Mateo 7:7,8; VaRoma 2:15; Jakobo 4:17

January 19, 2010 | 5:01 AM Comments  {num} comments

Tags:


Mwari

Mwari

Kutenda kwakakosha kupfuura kumwe kwose ndeuko kuri maererano naMwari. Zvinhu zvose zvinozendamira pakuvepo nepamamiriro aMwari. Pasina Mwari kungadai chimwe chinhu kunze kwenyonga-nyonga.

1. Ko ndokupi kwatinodzidza nezvaMwari?

- Zvinhu zvakasikwa chiratidzo chebasa raMwari soMusiki. Zvinhu zvaktipoteredza zvatinoti makomo, nenzizi, nyika nedenga, zvinomera nemhuka, uye nemunhu pachake, zvinotiita kuti tizive kuti mumwe munhu akazvisika. Masikirwo akarurama akaitwa zvinhu izvi anoratidza kuti harisi basa rakaitwa nemunhuwo zvake. Kusikwa kwezvinhu kwakanyatsorongwa. Somuenzaniso, muti wose womuchero unobereka muchero werudzi rwawo. Nguva dzedu dzemasikati nedzousiku uye nemwaka yegore zvinotevera gwara kwaro.

Ko zvinhu izvi zvaizoitika sei? Ko ndiani aigona kuita basa rakadai kunze kwaMwari?
MuBhaibheri ndimo munowana munhu ruzivo ruzere rwokuti Mwari ndiye Musiki.
(Verenga Genesis 1:1; Mapisarema 19:1; VaRoma 1:20)

January 18, 2010 | 8:01 AM Comments  {num} comments

Tags:


Forgiveness

Have you ever wondered..

* How you could forgive an enemy?

* What sins are unforgivable?

Read: Genesis 45:4-15 and Matthew 18:21-35

It goes beyond our human nature to forgive the unforgivable. We hold grudges and harbor resentment. We battle and bicker among ourselves. It is God's nature, hwever, to forgive anything and everything. The worst crime ever committed? God can forgive that. Your worst mistakes and harshest moments? God can forgive those, too. Even when you feel that God would never accept you as you are, he invites you to come just as you are, and he forgives you completely.

Joseph's brothers did the unforgivable - they sold their litle brother into slavery. What an awful thing to do! They did not deserve to be forgiven. As readers, we long for a moment of vengeance, when Joseph can get back at them for the years of pain and rejection they caused him. But Joseph held off. He could have gloated, mocked, yelled, or punished. Instead, he embraced them. Tears spilled down his cheeks as he forgive them. As Jesus taught in Matthew 18:35, Joseph manged to forgive his brothers from his heart.

Perhaps you can empathize with Joseph's situation. Maybe you're face-to-face with someone who doesn't deserve to be forgiven. Through Jesus' grace, you can forgive. Only when you are
bathed in God's forgiveness can you extend that same, rich ungradging forgiveness to others.

But God demonstrates His own love toward us, in that while we were still sinners, Christ died for us. -Romans 5:8

January 14, 2010 | 12:01 PM Comments  {num} comments

Tags:


« previous 5


Guide Makombo's Profile

Guide Makombo's Friends


Latest Posts
"Leave no room or...
"And be clothed...
"And these signs...
"Are they not all...
"He who being...

Monthly Archive
December 2009
January 2010
February 2010
March 2010
April 2010
August 2010
September 2010
October 2010
November 2010
January 2011
February 2011
March 2011
April 2011
May 2011
June 2011
July 2011
August 2011
September 2011
October 2011
November 2011
December 2011
January 2012
February 2012
March 2012
April 2012
May 2012
June 2012
July 2012
August 2012
September 2012
October 2012
November 2012
December 2012
January 2013
February 2013
March 2013
April 2013
May 2013

Change Language


Tags Archive
gospel shokoramwari shokormwari sokoramwari

Filter By Type
Travel
Topics

Friends
Arunmozhi
Chinyere Cheny
Famata
Jessica
Stephen Ojeremen

Links
http://google.com


45645 views
Important Disclaimer